Gurukota reBritain rinoona nezveAfrica, Amai Harriet Baldwin, vaudza komiti yeparamende yemunyika mavo yanga ichizeya zviri kuitika muZimbabwe nhasi kuti Britain haisi kuzotsigira Zimbabwe kudzokera muCommonwealth sezvo iri kutyora kodzero dzevanhu, uye vatiwo Britain ichawedzera mazita matsva evanhu vemuZimbabwe vachatemerwa zvirango nenyika yavo.
Kambani yaProphet Walter Magaya veProphetic Healing Deliverance Ministries, yeAretha Medical, inowanikwa iine mhosva yekutyora mutemo weMedicines Control Act mushure mekunge Va Magaya vati vainge vawana mushonga unorapa HIV/AIDS vasina kutevedza gwara rinodiwa nemutemo
Varairidzi vakawanda vanotevedzera kurudziro yemasangano avo yekuti vasaende kumabasa kuitira kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo.
Vechidiki veZanu PF vokurudzira veruzhinji kuti vatsungirire mumatambudziko akatarisana nenyika vachiti vane chivimbo chekuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachagadzirisa zviri kunetsa munyika.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzotarisa honzeri iri kupa kuti mitengo yezvinhu igare ichikwira munyika.
Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na 8pm tiri kutarisa vechidiki vari parumana nzombe zvichitevera kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzavo nemauto nemapurisa.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum