Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 01, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 01, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemakurukota avo nenhengo dzeparamende, vanobatana neveruzhinji mukuchenesa nzvimbo dzavanogara pasi pechirongwa cheNational Clean Up Campaign icho chakatanga mwedzi mitatu yapfuura.

Mumwe wevanhu vakapfurwa mumhirizhonga yakaitika mwedzi wapfuura, ashaya nhasi kuParirenyatwa Hospital.

Vashandi vemunyika dzemuAfrica voratidzira pamizinda yeZimbabwe iri munyika idzi vachiti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa vashandi nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika pamwe nenyaya dzehupfumi dzozeya zvingave zviri kukonzera kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo muZimbabwe.

Masangano anomirira kodzero dzevana vadiki oshushikana nevana vadiki vakasungwa munguva yemhirizhonga achiti kodzero dzevana ava dziri kutyorwa nehurumende.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mhirizhonga pamwe nekubatwa chibharo kuri kuitwa vanhukadzi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG