Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Zvita 10 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yenhau, Muvhuro, Zvita 10 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekodzero dzevanhu kana kuti Human Rights Day vakawanda vakatyorerwa kodzero nehurumende vachiti inofanira kudzika mitemo yakaomarara kuranga vanopamba nekumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Mhuri yemushakabvu Lucy Duve nhasi yabatana nevamwe vanhu muguta reGweru vachifora mumugwagwa semucherechedzo wekuremekedza mufi pazuva rekupedzisira rekucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhonga yemudzimba kana kuti 16 Days of Activism Against Gender-based Violence. Muzvare Duve anonzi akapondwa nemukomana wake anovamusoja pakunopera kwemwedzi waMbudzi mushure mekunetsana.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasangana nhasi nevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika vakazivisa kuti vave kufanira mukubatsira muhurongwa hwekutengeserana nedzimwe nyika sezvo bazi rekudyidzana nedzimwe nyika ravandudzwa kuti rive rekudyidzana nekutengeserana.

Nyaya iri kupomerwa mutevedzeri wasachigaro weMDC VaTendai Biti yekutyora mutemo wesarudzo yatanga kunzwikwa nedare ramejastiriti muHarare nhasi VaBiti vachiramba mhosva yavari kupomerwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvekugariswa kwevanhu inoti hurongwa hwehurumende hwekuvaka rimwe guta kuMt Hampden haushande.

Varairidzi vari kuratidzira kusafara nemashandiro avo vachibva nekwaMutare vakananga kuHarare.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti panguva ino apo mvura iri kunaya, veruzhinji vanofanirwa kungwarira kuti vasarumwe nenyoka dzinogona kuvauraya.

Muchirongwa cheLiveTalk na8 pm nhasi, tiri kutarisa zuva rekucherechedza kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kana kuti Human Rights Day uye kupera kwemazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kuremekedzwa kwemadzimai.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG