Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 06, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 06, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi vehurumende vanoita musangano nehurumende senzira yekuti zvichemo zvavo zvigadziriswe vashandi ava vachiti pakasava nekuwirirana vacharamwa mabasa.

Zimbabwe yokurukurwa muAmerica nekomiti yedare reSenate zvichitevera sarudzo dzakaitwa muZimbabwe idzo dziri kukonzera mutauro.

Boka reZimbabwe Energy Regulation Authority rinoti rava kuronga kupa mvumo vemagaraji kuti vatengese mafuta nemari yekuAmerica senzira yekuti bhanga guru renyika risaremerwe nekutsvagira mari yekunze makambani anotenga mafuta kunze kwenyika.

Vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevezvematongerwo enyika vozeya nyaya yehuori hwatekeshera muZimbabwe.

Sangano reTransparency International roita musangano kwaMutare wakanangana nekodzero dzevanhukadzi munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa mabasa ari kuitwa nemasangano akasiyana siyana ekusimudzira vanhukadzi munyaya dzematongerwo enyika, dzehupfumi nezvimwe zvinoksha muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG