Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 12, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 12, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende inotara chirwere chekorera sedambudziko guru rabata nyika zvichitevera kufa kwevanhu vanodarika makumi maviri, uye vanhu vanodarika zviuru zvitatu vachinzi vakabatwa nechirwere ichi.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoshanyira musha unogara veruzhinji weGlenView muHarare, uko kune vanhu vakawanda vabatwa nechirwere chekorera.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanokokwa kuti vashanyire Belarus zvichitevera kusangana kwavo nechipangamazano chikuru chemutungamiri wenyika iyi, VaViktor Sheiman.

Sweden nhasi yaparura chirongwa chemamiriyoni matanhatu nezviuru mazana mashanu emadhora mari ichashandiswa mukubatsira makambani madiki kuwanisa vanhu vekumaruwa mhando dzemoto dzakaita semagetsi anobva kuzuva kuti vakwanise kusimudzira mabasa avo.

Masangano e International Republican Institute pamwe National Democratic Institute anoburitsa gwaro rinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe zvichitevera sarudzo dzakaitwa kupera kwaChikunguru.

Bata murefu bata mupfupi yoitika mumakanzuru ari pasi peMDC zvichitevera danho rakatorwa nebato iri rekuudza makanzura nemameya akazvidza zvisungo zvebato kuti vasiye zvigaro zvavanazvo mumakanzuru…

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinotarisa dambudziko rechirwere chekorera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG