Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 23, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 23, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reConstitutional Court rozeya zvakaturwa mudare iri nezuro nemagweta emutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, magweta emutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, uye magweta eZimbabwe Electoral Commission kuitira kuti ribude nemutungo waro mangwana.

Nyanzvi dzokurukura kurambidzwa kwakaitwa magweta aVaChamisa akabva kuSouth Africa kuitira kuti vasavamirire mudare reConstitutional Court.

Nyanzvi dzakawanda dzotarisira kune remangwana kuti rinenge rakamira seyi mushure mekunge dare reConCourt rapa mutongo waro.

Muchirongwa che Women’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zvaitika mudare reConstitutional Court nezuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG