Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti vane chivimbo chekuti dare reConstitutional Court richapa mutongo wekuti ndivo vakakunda musarudzo.
Bato reZanu-PF rinotiwo rine chivimbo chekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda uye nhasi raendesa mamwe mapepa kudare reConstitutional Court iro richatanga kuzeya nyaya iyi neChitatu.
Vanopikisa vopomera hurumende mhosva yekuvashungurudza munyaya dzavanoti dzakarerekera kune zvematongerwo enyika. Asi hurumende inoti manyepo kuti pane vari kushungurudzwa.
Zimbabwe neBotswana dzonyorerana chibvumirano chekusimbisa kudyidzana kwadzo vatungamiri venyika mbiri idzi vachitarisirwa kusangana kamwe chete pagore kuzeya nyaya yebudiriro.
Nyanzvi nevanhuwo zvavo vozeya danho rehurumende rekuti vanhu vane chirwere cheitsvo varapwe pachena muzvipatara zvehurumende.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nyaya yekukwikwidzwa kwezvakabuda musarudzo kuConstitutional Court uye mamiriro akaita zvinhu munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum