Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 17, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 17, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaMorgen Komichi, vanosungwa vachibva vavharirwa muchitokisi vachipomerwa mhosva yekuvhiringidza hurongwa hweZimbabwe Electoral Commission, hwekuzivisa veruzhinji zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika. Mapurisa anoti achaendesa VaKomichi kumatare mangwana.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kupikiswa naVaChamisa mudare reConstitutional Court kukunda kwavo musarudzo yemutungamiri wenyika, vanotenda nyika dzemuSADC nekuvatsigira kwadzakaita musarudzo dzavanoti dzakanga dziri pachena uye dzisina mhirizhonga.

Rimwe sangano rakavambwa nechizvarwa cheZimbabwe riri kuBritain robatsira nherera makumi matatu neshanu dzinobva mumaruwa akasiyana siyana.

Hupenyu hwevana veZimbabwe vari kugara muBotswana hwopinda munhamo yachikwepa youti uku charumwa, uku chiri kupiswa nemoto zvichitevera danho reBotswana rekugadza mitemo inosungira nyika iyi kutanga kupa mabasa kuzvizvarwa zvenyika iyi, vekunze vasati vapihwa mabasa.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa musangano weSADC uri kuitirwa kuNamibia…

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG