Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 15, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 15, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Magweta emutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, anosvitsa mudare Constitutional Court magwaro ekupikisa zvakasvitswa mudare iri nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachiti dare rivadome VaChamisa mbune kuti ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, kana kuti sarudzo iyi iitwe patsva.

Gweta rine mukurumbira munyika, VaTendai Biti, voramba vakatsika madziro vachiti vakapambwa nehurumende kubva kuZambia nokudaro havafaniri kutombomiswa pamberi pematare emuZimbabwe nekuti vakadzoswa zvisiri pamutemo kuZimbabwe vachibva kuZambia kwavakange vanotsvaga hupoteri uko dare reko rakati vasaburitswe munyika iyi.

Vanhu vakawanda vochema chema nekukwira kwemitengo yezvinhu panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari.

Nyanzvi dzozeya mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act, ZIDERA, uyo wakavandudzwa ukasainwa kuva mutemo nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump. Mutemo uyu wakavandudzwa paine chinangwa chekupa Zimbabwe mukana wekugadzirisa hukama hwayo neAmerica kuburikidza nekuita sarudzo dzakachena, kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekuremekedza mitemo nemitongo yematare.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinoreva kuvandudzwa kwemutemo weZIDERA kwakaitwa neAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG