Vamwe veruzhinji vacherechedza zuva reDefence Forces Day vachiona vechiuto vachifora. Asi Vamwe vanoti havachaoni kukosha kwezuva iri sezvo vechiuto vave nenhoroondo yekushungurudza vanhu munyika.
Vamwe vagari vemudunhu reMashonaland West vanoti masoja anofanirwa kurangarirwa nebasa raakaita kuyamura kubviswa kwevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro asi haafanirwe kupindira munyaya dzemapato ezvematongerwo enyika.
Ruzhinji rwevashandi vehurumende rwotora mukana wezororo rezuva remauto kuenda kuBotswana kunotenga zvekuzotengesa kumusha.
Muchikamu chedu chezvehupfumi, nhasi tine hurukuro nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuti zvinotarisira kuti hurumende itsva ichagadzwa ichagadzirisa nyaya yehupfumi nekukasika senzira yekurerutsa dambudziko remari riri munyika.
Chikwata cheDynamos chawana mukana wekubuditsa vatambi vatsva vachakatenga nguva yekutenga nekutengesa vatambi musi wa 31 Chikunguru isati yavharwa.
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zvinoreva mazuva emagamba nemauto kune vechidiki.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum