Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Nyamavhuvhu 13, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Nyamavhuvhu 13, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotaura pazuva rekucherechedza mabasa akaitwa nemagamba akafira rusununguko rwenyika vachiti nyika yava kufanira kusendeka parutivi nyaya dzesarudzo, yoenderera mberi nekuvandudza hupfumi hwenyika.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti haina kuenda kunobatana neZanu PF nekuti hurongwa hwe Heroes Day hausi hwenyika asi kuti ndehweZanu PF uko inoshandisa mukana uyu kunyomba vanopikisa, ichiti iyo yaita hurongwa hwayo hwekutora zuva ranhasi sezuva rekurangarira magamba ayo akaita sevachakabvu VaMorgan Tsvangirai, Amai Susana Tsvangirai, VaItai Dzamara nevamwe vakaurayiwa nyika yawana kuzvitonga nekuti vaipikisa matongero eZanu PF.

Magweta ari kumirira mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, munyaya yaVaNelson Chamisa veMDC Alliance yekupikisa kudomwa kwaVaMnangagwa neZimbabwe Electoral Commission semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, anoenda kudare reConstitutional Court uko anoriwana rakavharwa sezvo nhasi riri zuva rezororo.

Madzimai nevana vevanhu vakaitwa magamba ematunhu kuMashonaland West vochema nerekuti hurumende iri kuvabata nekuseri kweruoko.

Mitambo yenhabvu yotsviriridza, FC Platinum ichitungamira, asi yakasonwawo neNgezi Platinum Stars

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinoreva zuva remagamba, kana kuti Heroes Day.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG