Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 9, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 9, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta rine mukurumbira munyika, uye vari nhengo yeMDC Alliance, VaTendai Biti, vanomiswa mudare redzimhosva zvichitevera kudzoserwa kuZimbabwe nevakuru vakuru vekuZambia kwavaitsvaka hupoteri.

Gwera rine mukurumbira munyika, Amai Beatrice Mtetwa, vanonyorera mapurisa vachiaudza kuti zvaakaita pana VaBiti zvinotyora mitemo yepasi rose vachiti mapurisa emuZimbabwe akapamba VaBiti sezvo vari kufanirwa kumiswa pamberi pedare repamusoro muZambia pamusoro penyaya yavakasvitsa kunyika iyi yekuti vapihwe hupoteri munyika iyi.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu otaura pamusoro pedanho rakatorwa neZambia rekuisa VaBiti mumukanwa mamupere umo vaitiza vachida kutsvaka hupoteri muZambia, uye mabatirwo ari kuitwa nyaya yavo nehurumende.

Sangano reUnited Nations High Commission for Refugees rokomekedza Zambia kuti iferefete kudzoserwa kuZimbabwe kwaitwa VaBiti mushure mekunge vazvipira kuhurumende yeZambia vachiti vari kutsvaga hupoteri sezvo zvaitwa naZambia zvichityora mitemo yepasi rose.

Muchirongwa cheLiveTalk -Women’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG