Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 8, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 8, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nhengo yeMDC Alliance, VaTendai Biti, vanopotera kuZambia zvichitevera kushungurudzwa kwavanoti vanga vachiitwa nevanhu vanofungidzirwa kuti mauto zvichitevera kuburitsa kwavakaita mashoko ekuti MDC Alliance yainge yakunda musarudzo dzakaitwa mwedzi wapera.

Vamwe vagari vekwaMutoko kuMashonaland East vogara vachityira hupenyu hwavo sezvo vari kutyityidzirwa zvine chekuita nesarudzo pamwe nekupisirwa dzimba dzavo.

Sangano reZimbabwe Peace Project rinoti riri kuunganidza humbowo hwekutyorwa kwekodzero dzevanhu mushure mesarudzo, uye riri kukurudzira vanhu kuti vasatye kutaura pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzavo.

Mutuvedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanovhura chikamu chemupanda wakavakwa nemauto pachikoro che Reformed Church University kuMasvingo

Magweta emutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, anoti ava kuenda kunosvitsa chichemo chavo kumatare edzimhosva sezvo apedza kuunganidza humbowo hwakakosha .

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe mushure mesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG