Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 07, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 07, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reAfrobarometer rinoti Zanu PF ichawana zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana, MDC Alliance ichiwana zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana, mamwe mapato anopikisa achiwana zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana, izvo zvichaita kuti sarudzo yemutungamiri wenyika idzokororwe sezvo panenge pasina akunda zvine mutsindo.

MDC Alliance inoparura manifesito yayo inonzi Sustainable and Modernization Agenda for Real Transformation

Vatevedzeri vemutungamiri weZanu PF, VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi, vopinda munzvimbo dzakasiyana siyana vachitsvagira bato ravo rutsigiro

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch rinoburitsa zvipingaidzo zvichavhiringidza sarudzo dzemuZimbabwe, izvo rinoti zvinofanirwa kugadziriswa.

Studio7 inotarisa mavhotero agara achiita vanhu musarudzo mudunhu reMashonaland Central, uye kutarisa zvingabude musarudzo dzegore rino mudunhu iri.

Mumwe mukuru mukuru muhurumende yeAmerica, Va Matthew Harrington, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena kuitira kuti veruzhinji vavimbe nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, mamanifesito emapato kuti anobata seyi nyaya dzemadzamai

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG