Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 05, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 05, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende inodaidzira musangano nevatori venhau wekutaura pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzematongerwo enyika.

Mhirizhonga yoramba ichinetsa muMDC-T, nhengo dzebato iri dzichipumhana huroi, pasina anobvuma kuti ndiye ari kukonzeresa mhirizhonga, zvikuru yakaitika muBulawayo nezuro.

Studio7 inotarisa zvakadzama makakatanwa ari muMDC-T pakati paVaNelson Chamisa naMuzvare Thokozani Khupe.

Vagari vepapurazi reWakefield kuManicaland voratidzira vachiti havasi kufara kuti purazi iri rakabvutwa nevaive nhengo huru yeZanu PF Youth League, VaKudzai Chipanga.

Vechidiki vakawanda muGweru vanonzi ndivo vari kubatwa nehutachiwana hweHIV.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mvongamupopoto iri kuitika muMDC-T umo muri kudeuka ropa, vanhu vachirwisana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG