Mapurisa anodzivirira mvongamupopoto anonetsana nevagari vemuBulawayo vari kutsigira kugadzwa kwaVa Bulelani Khumalo, samambo werwudzi rweMandevere, muchiitiko chaitikira padare redzimhosva repamusoro muBulawayo.
Dare redzimhosva rinoti kugadzwa kwa Mambo Bulelani Lobengula Khumalo hakusi pamutemo.
Vatsigiri veZanu PF vanovhiringidza musangano weNational Peace and Reconciliation Commission muMasvingo, vachiti hurumende inofanirwa kutanga yakumbira ruregerero kunyika nekuurayisa kwayakaita vanhu kubva muna 1980.
MDC Alliance inobuda nechisungo chekuti VaNelson Chamisa ndivo vachimirira mubatanidzwa uyu musarudzo yemutungamiri wenyika.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti ndivo vachiri mutauriri webato iri, sezvo kuvamisa basa kunonzi kwakaitwa nebato iri, kusiri pamutemo.
Hurumende yotarisirwa kunzwira tsitsi vamwe vasungwa, avo vari kutarisirwa kuburitswa mumajeri pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika che Presidential Amnesty
Hurumende yowedzera nemasvondo maviri kuvanhu vanonzi vakaburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo, kuti vadzose mari idzi.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mvongamupopoto iri kuitika muMatabeleland vanhu vachirwira huMambo hwerudzi rweMandevere
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu
Facebook Forum