Bato reMDC-T rinoti hapana zvaitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa mumazuva ayo zana, uye bato iri rinoda kuti mitemo yese yesarudzo ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa.
Vakuru veZESA vanomiswa pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari mumakambani ehurumende vachibvunzurudzwa nezvehouri hunonzi hwatekeshera mukambani iyi.
Zimbabwe yokurukurwa nekomiti inoona nezveAfrica muAmerica paine chinangwa chekuda kuziva mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe zvichitevera kusiyiswa basa kwakaitwa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, gore rapera.
Vagari vekwaMutare vochema chema nekumbomiswa kwaitwa nhandare yavo yenhabvu, yeSakubva Stadium, sezvo sangano rePremier Soccer League riri kuda kuti nhandare iyi igadziriswe.
Vechidiki vokurudzirana kuti varambe vachinyoresa kuvhota kuitira kuti vavhote nehuwandu hwavo hwese musarudzo, uye kuti zvavanovhotera zviburitse zvido zvevechidiki ava.
Muchirongwa cheLiverTalk na8pm, tiri kutarisa ranhasi neramangwana reZimbabwe panguva iyo komiti yedare reparamende muAmerica iri kunzwawo mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum