Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 23, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 23, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba vanoti sarudzo dzichaitwa pakati pa21 Chikumi na 21 Chikunguru.

Sangano reHeal Zimbabwe Trust rinoti vanhu vanosvika zviuru zvishanu vakatyorerwa kodzero dzavo munguva yekunyoresa kuvhota.

Mapurisa asunga vadzidzi vepaNational University of Science and Technology vane chitsama mushure mekunge vadzidzi ava varatidzira nekuvharira vanhu kuti vasapinda kana kubuda pachikoro ichi muBulawayo nhasi.

Mukuru wekambani yeARDA VaWIllard Mbona vokonzera mutauro mudare reparamende mushure mekuramba kupa dare magwaro ezvimwe zvibvumirano zvavakaita nemakambani ekunze nemunyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa vanoti vakamboyedza kugadzirisa zvinhu mukati memazuva zana vari muhofisi.

Vaimbova mumiriri weAmerica muZimbabwe VaCharles Ray vanoti Zimbabwe inyika yakanaka kunyangwe ichikanganiswa nezvematongerwo enyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mazuva zana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari muhofisi. Pane zvachinja here zvamuri kuona?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera chimwe chirongwa chedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG