Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 23, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 23, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hutungamiri hweMDC-T hunosangana muHarare kuitira kuti igadzirise gakava riri mubato iri.

Vadzidzi vepaMasvingo Polytechnic vanoratidzira zvichitevera kubatirwa kwavari kuitirwa mwari dzeZimdef dzavanopihwa.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa, VaTemba Mliswa, vanoti vachadaidza zvakare gurukota rezvemukati menyika, VaObert Mpofu, kuti vape humbowo pane zvakaitika pamari yemangoda inonzi yakatsakatika.

Masangano akazvimrira anoti haasi kufara nekushandiswa kuri kuitwa mauto nemakanzuru ari munyika.

Vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa vanosangana muBulawayo vachizeya remangwana ravo sezvo vari kutarisirwa kubviswa paGodini Mall pavanoshandira.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mhirizhonga iri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera chimwe chirongwa chedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 23, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG