Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 22, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 22, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gurukota rezvemukati menyika, VaObert Mpofu, vanoramba kupindura mibvunzo yekomiti inoona nezvezvicherwa pamusoro penyaya yemangoda vachiti sachigaro wekomiti iyi, VaTemba Mliswa, vanofanirwa kusuduruka pakunzikwa kwenyaya iyi kuitira kuti VaMpofu vapindure mibvunzo.

Vanhu vakawanda vochema chema nehurongwa hwekanzuru yeguta reHarare hwekurambidza makombi kupinda mukati meguta sezvo vanhu ava vava kushandisa mari yakawanda.

Vanotengesa mumigwagwa kuMasvingo vodzingwa mumigwagwa mavanotengesera zvinhu zvavo nemasoja nemapurisa ane zvombo.

Sangano reAmnesty International rinoburitsa gwaro rinoratidza mabatirwo ari kuitwa kodzero dzevanhu pasi rose kusanganisira Zimbabwe.

Munyaya yedu huru yanhasi, nyanzvi dzezve matongerwo enyika dzozeya remangwana reMDC Alliance zvichitevera kuchema chema kuri kuitwa nemamwe mapato ari mu Alliance achiti haasi kuona remangwana rakajeka mumubatanidzwa uyu.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable paLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mhirizhonga yezvematongerwo enyika inosangana nevanhukadzi pamwe nekuzvidzwa kwavanoitwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG