Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 21, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 21, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti kuve nenjanji pamwe nemigwagwa yakanaka kwakakosha zvikuru mukuvandudza hupfumi hwenyika.

MDC-T inoti iri kuferefeta zvakadzama mhirizhonga yakaitika nezuro kuBuhera uko kwairadzikwa mutungamiri wekutanga webato iri, VaMorgan Tsvangirai.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti havadi kushanda nevanhu vanoita zvemhirizhonga mubato ravo.

Vanhu vakawanda muChinhoyi vanoti havacherechedzi zororo revechidiki nhasi iro rinobatanidzwa nekurangarira zuva rakazvarwa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti zvinovafungisa kutambudzika kwaiita vanhu pasi pehurumende yeVaMugabe.

Muchirongwa cheLiveTalk- Diaspora Forum na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera chimwe chirongwa chedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG