Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 14, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 14, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano akawanda anobatana mukuratidzira achiti haasi kufara nezviri kuitwa neZimsec zvichitevera gakava riripo mushure mekunge magwaro ebvunzo dzeOrdinary Level - English Paper Two aratidzwa vadzidzi nguva yekunyora bvunzo isati yasvika.

Matare edzimhosva anoti hapana mudzidzi achadzokororeswa bvunzo ye Ordinary Level English Paper Two, asi kuti bvunzo yeEnglish Paper One ive iyo chete ichashandiswa.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions roisa izwi raro pane zviri kuitika kuHwange Colliery, uko madzimai evashandi vepamugodhi uyu vari kuratidzira.

Sangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe rodzidzisa vatyairi zvakakoshera kuzvibata mumigwagwa.

Nhandare yenhabvu yeSakubva inonzi nesangano rinoona nezvenhabvu yepamusoro munyika, re Premier Soccer League, haikodzeri kutambirwa nhabvu kana isina kugadziriswa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa hurongwa hweBritain hwekuda kudzosera kumusha zvizvarwa zveZimbabwe zvisina mvumo yekugara munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG