Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 13, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 13, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, hweNational Standing Committee, hunoti hwadaidzira misangano yechimbi chimbi miviri nemusi weChina, kuchitanga neNational Executive Meeting, ichizoteverwa ne National Council. Misangano iyi inonzi ichagadzirisa gakava riripo rmubato iri pakati paVaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri.

Bato riri kutonga muSouth Africa, reAfrican National Congress, rinobuta nechisungo chekuti mutungamiri wenyika, VaJacob Zuma, vadzorwe kubato kuitira kuti mutungamiri webato iri, VaCyril Ramaphosa, vagadzwe semutungamiri mutsva weSouth Africa.

Misangano yeBotswana neZimbabwe inopera nhasi muGaborone nyanzvi dzichizeya zvingabude mumisangano iyi kuitira kuti zvisimudzire hupfumi hweZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzokurukura hurongwa hwebhanga guru renyika pamwe neZimTrade hwekuedza kumutsiridza makambani emuBulawayo

Komiti yeparamende inoona nezvemari yonetsekana nemaitiro emakambani ehurumende ari kutadza kutevedza zvinodiwa pamafambisirwo emari mumakambani aya.

Sangano reUrban Councils Association rinoudza komiti yeparamende kuti kambani yehurumende yeZimbabwe National Roads Authority kuti yaiita huori hunotyisa munguva yehurumende yaive pasi paVaRobert Mugabe.

Muchirongwa cheThe Connections na8pm, tiri kutarisa gakava riripo rekuti bvunzo dzeChirungu dzidzokororwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG