Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi 12, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi 12, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voita hurukuro nemutungamiri wenyika yeBotswana VaIan Khama vachivazivisa kuti vakataura parunhare nezverwendo urwu nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Muzvinabhizimisi, Wicknell Chivhayo, nhasi vabvuma mudare reparamende kuti vakashandisa vezvematongerwo enyika kuti kambani yavo yeIntratrek iwanane basa rekuumba gwenya remagetsi ezuva reGwanda Solar Project kunyange hazvo vange vasingakodzeri.

Dare repamusoro rotarisirwa kunzwa nyaya yakakwidzwa nevabereki vachipikisa chisungo cheZimSEC chekuti bvunzo dze”O” Level dzebepa rechipiri kana kuti English Paper 2 dzidzokororwe dzichinzi dzakabirirwa.

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court Justice Joseph Musakwa nhasi vakurudzira vemapato ezvematongerwo enyika navose vanoda zvigaro zvacho kuti vasiyane netsika yekuita mhirizhonga panguva yesarudzo.

Sangano reNational Blood Services rinoti mari yavakawana kutanga kwegore rino kubva kuhurumende yakavabatsira kuti vadzikise mutengo weropa pamwe nekuti madzimai akazvitakura anobatsirirwa muzvipatara zvehurumende awane ropa iri pachena.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nyaya yehuori tichitarisa zvataurwa kudare namuzvinabhizimisi VaWicknell Chivhayo vatenda kuti vainge vasina kukodzera kupihwa mabasa emamiriyoni emadhora ekugadzira magwenya emagetsi. Ko hurumende iri kurwisa huori zvakakwana here?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG