Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 09, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 09, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Makakatanwa oenderera mberi muMDC-T, VaNelson Chamisa vachiti ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, ukuwo VaElias Mudzuri, avo vasangana nhasi naVaTsvangirai muJohannesburg, vachitiwo ndivo vakafanobata chigaro chaVaTsvangirai.

Sangano reZCTU rokurudzira mamwe masangano kuti aratidzire senzira yekutsigira madzimai ekuHwange apinda muzuva regumi nerimwe achiratidzira.

Gurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavhima, vanoita musangano nevarairidzi vachiedza kuvharidzira kuti kuratidzira kuri kurongwa nevarairidzi kusaenderere mberi zvichitevera gakava riripo rakonzerwa nekuburitswa kwemapepa ebvunzo dzeChirungu vadzidzi vasati vanyora bvunzo iyi.

Komiti yeparamende inoona nezvemari yonetsekana nemaitiro emakambani ehurumende ari kutadza kutevedza zvinodiwa pamafambisirwo emari mumakambani aya

Nhasi manheru hakudaidzwe anonzwa muHarare kumabiko e National Arts Merit Awards, uko kuchadomwa shasha munyaya dzemitambo, mimhanzi, mafirimu nezvimwe.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa bata murefu bata mupfupi iri kuitika muMDC-T zvichitevera gakava pakati paVaMudzuri naVaChamisa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG