Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 24, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 24, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakambodzingwa muhurumende yaVaMugabe, VaEmmerson Mnangagwa, vatoreswa mhiko semutungamiri mutsva weZimbabwe.

Mapato anopikisa anoti vanotarisira kuti VaMnangagwa vachaita basa ravo vogadzirisa zvose zviri kunetsa munyaya dzesarudzo, sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa.

Vemabhizinesi vanoti vanotambira nemufaro vimbiso yaitwa naVaMnangagwa yekuti vachashanda mukuona kuti mabhizinesi matsva avhurwa munyika.

Vagari vekuMasvingo vanotambira nenzira dzakasiyana siyana kugadzwa kwaVaMnangagwa semutungamiri wenyika.

FC Platinum yokweshana neChapungu kuAscot Stadium, ukuwo Dynamos iri kusangana neChicken Inn muRufaro Stadium

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa kugadzwa kwaitwa VaMnangagwa semutungamiri wenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG