Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 21, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 21, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Matare maviri eHouse of Assembly ne Senate ozeya nyaya yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapomerwe mhosva kuitira kuti vabviswe pachigaro pachishandisa mutemo we impeachment.

Vatungamiri vemapato anopikisa pamwe nevakarwa hondo vanoungana mu Africa Unity Square vachikurudzira VaMugabe kuti vasiye basa.

Mutungamiri mutsva weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vanyorera VaMugabe vachivaudza kuti havasi kudzokera kumusha kuzotaura navo kudzamara VaMugabe vataura pachena kuti hapana zvavanoitwa kana vakadzokera kumusha.

Musangano weSADC woenderera mberi kuAngola uchizeya nyaya yeZimbabwe zvichitevera kupindira kwakaita mauto mumasimba ekutonga nyika.

Migwagwa yosara isina mapurisa zvichitevera kutora nemasimba kwakaitwa zvinhu munyika nemauto.

Muchirongwa che The Connection na 8pm, tiri kutarisa manyama amire nerongo munyika zvichitevera kurambira kwaVaMugabe vari pachigaro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG