Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya minzwa iri munzira yekubvisa VaMugabe pachishandiswa mutemo we impeachment muparamende.
Vanhu vakawanda vanoshamiswa nemashoko aVaMugabe ekuti vachaenda kunokokera kongiresi yebato ravo muna Zvita ivo vakadzingwa muZanu PF.
Varairidzi vekumaruwa vokurudzira vashandi vehurumende kuti varatidzire kudzamara VaMugabe vasiya basa.
Migwagwa yosara isina mapurisa zvichitevera kutora nemasimba kwakaitwa zvinhu munyika nemauto.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa manyama amire nerongo munyika zvichitevera kurambira kwaVaMugabe vari pachigaro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum