Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 17, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 17, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Matunhu eZanu PF obuda nezvisungo zvekuti mutungamiri webato iri., VaRobert Mugabe, vadzoswe kubato kuitira kuti vasave mutungamiri webato iri.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzoronga kubuda nechisungo chekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabviswe pachigaro pachishandiswa mutemo we impeachment.

Vakarwa muhondo yerusununguko vokokera musangano mangwana unofanirwa kupindwa nemunhu wese vachiti musangano uyu ndewekupedzisa basa rakatangwa nemauto rekuti VaMugabe vabve pachigaro.

Chikwata cheNgezi Platinum Stars yotarisira kutora mukombe we Castle Lager Premier League

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa manyama amire nerongo munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG