Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, semunhu mukuru vangadai vakasiya basa kare uye dai hutongo hwavo hwaive hwakanaka, vangadai vasiri mumatambudziko avari pari zvino.
Father Fidelis Mukonori veRoman Catholic vanonzi vari kuyedza kutaura naVaMugabe kuti vaite zviri kudiwa nemauto kuitira kuti zvinhu zvisashate munyika.
Imwe nhengo yeZanu PF uye vari sachigaro we Zanu PF ku Britain, Va Nick Mangwana, vanoti zvakaitwa nemauto zvekumbotora masimba zvakakodzera sezvo nyika yanga yaenda kumawere.
Hutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai hunosangana muHarare hukabuda nechisungo chekuti VaMugabe ngavasiye basa, sezvo vakundikana.
SADC yoita musangano wechimbi chimbi kuBotswana wekuzeya zviri kuitika muZimbabwe zvichitevera kutora masimba kwemauto.
Musika weZimbabwe Stock Exchange wondengendeka vane mari dzavo vachityira kusima mari dzavo pamusika uyu zvichitevera kupindira kwakaita mauto mukutongwa kwenyika.
Muchirongwa cheWoman's RoundTable paLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zvinoreva kuvanhukadzi zviri kuitika munyika zvichitevera kupindira kwaita mauto mumatongerwo enyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Kuti munzwe zvizere nezve zvirongwa zvatinazvo zvirikutarisa zviri kuitika munyika endai pa peji redu re:www.voashona.com
Facebook Forum