Mashoko atiri kutambira anoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemakurukota avo ane chitsama, vachakachengetedzwa nemauto.
Mizinda yedzimwe nyika iri muZimbabwe inovharwa zvichitevera kutora masimba kwakaitwa nemauto achiti ari kuda kubvisa vanhu vane dzimhosva vakakomberedza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Vanhu vakawanda vanoti vafarira danho ratorwa nemauto rekupidigura hurumende kunyange vamwe vari kuti danho iri harinei nekushandura hupenyu hwavo asi kuti zvine chekuita zvakanyanya nekurwira masimba mubato reZanu PF
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitika munyika zvitevera kupindira kwaita mauto mumatongerwo enyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu
Facebook Forum