Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 14, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Munyori wevechidiki muZanu PF, VaKudzai Chipanga, vanotaura nevatori venhau vachishora mashoko emukuru wemauto, General Constantine Chiwenga, vachiti zvakataura nezuro ndezvemugotsi matsuro.

Nhasi Studio7 inotarisa zvakadzama zviri kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, pamwe nenzira yavatora munyaya dzematongerwo enyika.

Kunetsana kuri kuitika muZanu PF nemuhurumende kotadzisa zvinhu kufambira mberi munyika sezvo vakuru muhurumende vava kupedzera nguva dzavo kumakakatanwa ari kuitika muZanu PF hupfumi hwenyika huchienda kumawere.

Zimbabwe Human Rights Commission inoti inoona sarudzo dzegore rinouya dziine mutauro sezvo chirongwa chekunyoresa che Biometric Voter Registration chisina kurongeka zvakakwana.

Zimbabwe inobatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rechirwere cheshuga, kana kuti World Diabetes Day.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitika nevechidiki muZanu PF vari kubuda vachishoropodza mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG