Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 10, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti iri kuenderera mberi nechirongwa chayo kuKaroi nekuHurungwe mangwana zvisineyi kuti mapurisa ari kuti hurongwa uhu haufanirwe kuenderera mberi.

Mumwe murume wekuBudiriro obatsira vanhu vakawirwa nemhirizhonga yezvematongerwo enyika kuitira kuti vatange hupenyu hutsva.

Mutungamiri weNational People’s Party, Amai Joice Mujuru, vanoti vari kunyorerana chibvumirano chekushanda nemamwe mapato mangwana.

Mamwe madzimai otadziswa kunyoresa kuvhota vachinzi vaunze huchapupu hunoratidza kuti vachiri vese nevarume vakavaroora.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitika muZanu PF takatarisa kuzvipa masimba akanyanyisa kuri kuitwa naVaMugabe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG