Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 17, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chekunyoresa kuvhota choramba chichivhiringwa nemutemo unosungira kuti vanhu vape humbowo hwepavanogara kuitira kuti vanyorese kuvhota, izvo zviri kuita kuti vanhu vakawanda vatadze kunyoresa.

Vanotengesa mumigwagwa zviri pamutemo muHarare vanoti vari kunetswawo nemapurisa panguva iyo anenge achinetsana nevanotengesa mumigwagwa vasina mvumo

Vagari vekuManicaland votaura pamusoro pezvisungo zvinonzi zvakabuda neZanu PF mudunhu reManicaland zvokuti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika pakongiresi yechimbi chimbi iri kuitwa muZvita.

Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rosangana nehutungamiri hwebhanga guru renyika kuti vakurukure nyaya yekushaikwa kwemari munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeyawo zvinoreva dambudziko rekushomeka kwemari iro roramba richinetsa munyika.

Sangano reCastle Larger Premier Soccer League ropa mutongo waro pamutambo weCaps United neShabani Mine uyo wakamiswa zvichitevera mhirizhonga yakakonerwa neCaps United

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa hurongwa hwekunyoresa kuvhota takatarisa kurudziro iri kuitwa pachishandiswa mimhanzi senzira yekukwezva vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG