Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 02, 2017


Nhau dzeShona Studio7

Kusawirirana kunotyisa koramba kuchienderera mberi muZanu PF, izvo zviri kusiya zvinhu zvisina kugadzikana mubato iri pamwe nemunyika yose.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mashoko ehurumende zvichitevera mashoko ayo ekuti zvinhu zvagadzikana munyika pakatariswa nyaya yemitengo nekushaikwa kwemari.

Mutauriri weTajamuka, VaPromise Mkhwananzi, vanoti vari kumbosiya basa rekuva mutauriri wesangano iri, kuitira kuti nyaya yavari kupomerwa iongororwe zvine hudzamu vozodzokera pabasa iri zvakare kana vachinge vachenurwa.

Chikwata cheDynamos chovhura nzira nemapoinzi matatu pakati payo nezvikwata zvairi kukwikwidzana nazvo mukutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Muzvare Teresa Dangwa, voita chirongwa chekubatsira vanasikana nherera.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kusawirirana kunotyisa kuri kuitika muZanu PF.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG