Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 29, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 29, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatori venhau vaviri vebepanhau reDaily News vanorohwa zvakaipisisa nemapurisa mukuratidzirwa kwaitwa muHarare nhasi kwakarongwa nemasangano akawanda kusanganisa reTajamuka.

Pastor Evan Mawarire vomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende mukuratidzira kwakaita vanhu gore rapera.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mutemo wehurumende wekuda kusunga vanotengesa mari mumugwagwa haushande.

VaTendai Biti vanoti ndivo mutungamiri chaiye wePeople’s Democratic Party mushure mekunge vamwe vavo vati vavadzinga nezuro vachipa chigaro ichi kuna Amai Lucia Matibenga.

Munhau dzemitambo, tichakupai mitambo yeCastel Premier Soccer League iriko kutanga mangwana

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nezvekuratidzira kwaitika muHarare nhasi uye kusungwa kwevamwe vanonzi vanotengesa mari nekutorerwa marezinesi kwevanodhurisa zvinhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG