Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 27, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Zvimwe zvitoro zvovanza mitengo yezvinhu zviri kumhanyirwa neveruzhinji senzira yekudhurisira vatengi pavanenge vobhadhara mari yezvinhu zvavanenge vatenga pa till.

Mudzimai wevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, muchakabvu Joseph Msika, Ambuya Maria Msika, vanorangarirwa muBulawayo mutumbi wavo usati waendeswa kuHarare uko vachanovigwa kuHeroes Acre mangwana.

Chikwata chevakarwa muhondo yerusununguko chinotungamirwa naVaChris Mutsvangwa chinoti hachisi kuzoshandiswa zvakare sezvavaakaitwa nebato reZanu PF.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti vachazoitisa dzidziso yekunyoresa kuvhota yakanyanya kana mazuva ekunyoresa mudunhu mavanenge vari asarirwa nesvondo rimwe kuti vanhu vachinyoresa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mutoro mukuru wakatarisana nevanhu vari mu Diaspora panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe, mhuri zhinji dzichitarisira rubatsiro kubva kuvanhu vari muDiaspora.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG