Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 26, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Pastor Evan Mawarire vanomiswa pamberi pedare ra magistrate nhasi umo vari kupomerwa zviri pamutemo mhosva yekuda kufurira vanhu kuti vapandukire hurumende.

Mitengo yezvinhu yoramba ichikwira panguva iyo vanhu vari kuita chipatapata kunotenga zvinhu vachizvichengeta mudzimba dzavo izvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti kushomeka kwezvinhu kwakakonzerwa nevamwe vanhu avo vati vachavatorera matanho mukati memazuva maviri.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti zviri kuitika munyika zvekushomeka kwezvinhu zvinosanganisira mari nemafuta zvine chekuita nematongerwo enyika.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inodoma Muzvare Thokozani Khupe, kuti vambofanotungamira bato iri panguva iyo VaTsvangirai vanenge vachizorora vari kumba zvichitevera kurwara kwavari kuita.

Chirongwa chekunyoresa kuvhota choramba chichikonzeresa mutauro vamwe vachiti havasi kuwana nzvimbo dzavanovhotera dziri muBVR.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa kusagadzikana kuri munyika zvichitevera kukwidzwa kwemitengo yezvinhu zvakaita semafuta ekubikisa nezvimwewo uye zvazvinoreva kune vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG