Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 25, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 25, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kutongwa kwaPastor Evan Mawarire panyaya yavanonzi vakapara muna 2016 kuchaitwa vachibva kujeri kudzamara dare ra magistrate ranzwa nyaya yavakasungirwa nezuro.

Vanhu voita chipatapata kunotenga zvinhu muzvitoro zvichitevera mashoko ekuti vezvikoro vari kukwidza mitengo yezvinhu.

Vana chiremba vari musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association voronga kuratidzira vachiti mari dzavanotambiriswa hadzina zvadzinotenga.

Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinotiwo riri kurongawo kuratidzira nemusi weChishanu richiti mari dzavari kutambira ishoma zvikuru.

Sangano reVeritas rinoti mitemo yesarudzo inofanirwa kuvandudzwa zvakadzama kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzisina mutauro.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kusagadzikana kuri munyika zvichitevera kukwidzwa kwemitengo yezvinhu zvakaita semafuta ekubikisa nezvimwewo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG