Dare rozeya nyaya yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yekupikisa chirongwa cheBiometric Voter Registration ichiti zvinhu hazvisi kuitwa pamutemo.
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti ZEC inokwanisa kunge yanyoresa vanhu mamiriyoni manomwe kunyange hazvo masangano akazvimirira nemapato anopikisa ari kuti nemamiriro akaita zvinhu ZEC ichakundikana kuita basa rayo nemazvo.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotaura nhasi kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York
Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rotaura pamusoro pekomiti yakagadzwa nezuro kuti ifanoona nezvevakarwa hondo izvo zvinopikisa mutongo wedare wakati sangano rinotungamirwa naVaChris Mutsvangwa ndiro chete rinofanirwa kucherechedzwa.
Vagari vekwaZimuto nekwaChivi votsika madziro vachiti havasi kuzobva munzvimbo dzavagere dzavari kunzi nehurumende vabve kuitira kuti pagadzirwe mugwagwa mukuru weMasvingo-Harare.
Hurumende inounza ma bond coins emasendi makumi mashanu anosvika mamiriyoni matatu akadhidhirwa kuSouth Africa
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mabasa ari kuitwa nemasangano emadzimai mukurudzira vanhukadzi kuti vanyorese kuvhota.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum