Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 20, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 20, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mhirizhonga yoitika muHarare zvichitevera kushaikwa kwemafomu anodiwa kuti munhu anyorese kuvhota pachishandiswa mishina yechizvino zvino yeBiometric Voter Registration kits.

Vagari vekuChinhoyi vochema chema nechirongwa che BVR icho vanoti chiri kuitirwa kure nekwavanogara

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti vane chivimbo nechirongwa cheBiometric Voter Registration kunyange hazvo paine zvimhingamipinyi zviri kusanganwa nazvo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvoungana muNew York kumusangano weUnited Nations General Assembly, uyo uri kupindwawo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zvichiratidzira kusafarira hutongi hwaVaMugabe.

Studio7 inotarisa zvakadzama zviri kuitika kumusangano weUnited Nations General Assembly muNew York.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zvaenda kuNew York uko kuri kuitirwa musangano weUNGA.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG