Chirongwa chekunyoresa pachishandiswa mishina yechizvino zvino, yeBiometric Voter Registration kits inotanga munyika yavo asi vanhu vashoma vachinyoresa kuti vazovhota musarudzo dzegore rinouya .
Bato reMDC rinoti mutungamiri waro, VaMorgan Tsvangirai, vari kuita zviri nani kuSouth Africa uko vari kurapwa.
Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinotungamirwa naVaChris Mutsvangwa roendesa gurukota revakarwa muhondo kumutare richiti vari kushandiswa neZanu PF kuti vaumbe sangano revakarwa muhondo rinorerekera kumutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe.
Nyaya yakakwidzwa kumatare neMDC-T ichiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakanganisa pavakatara mazuva echirongwa che BVR inotadza kunzwikwa mudare sezvo gweta raVaMugabe rati ranga risina kugadzirira.
Dynamos inorohwa ne Caps United 1-0 izvo zvakaitadzisa kuenda pamusoro pemakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League nezuro.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa chirongwa chekunyoresa kuvhota pachishandiswa mishina mitsva yeBiometric Voter Registration.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum