Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 15, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 15, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda munyika vonyunyuta nezviri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kutakura gurusvusvu revanhu kusanganisira mhuri yavo vachienda kumusangano weUnited Nations General Assembly uri kuitirwa muNew York kuAmerica. Rwendo urwu rwunonzi rwuri kushandisa mari yakawanda yehurumende panguva iyo nyika isina mari yekutenga mishonga nezvimwe zvinokosha.

Studio7 inotarisa zvakadzama hurongwa hwekunyoresa vanhu kuti vazovhota musarudzo dzegore rinouya.

Vagari vemuChinhoyi voshora Zesa iyo vanoti iri kukwidza mitero yemagetsi zvisina tsarukano.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya makakatanwa ari muZanu PF nemu MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya.

Dynamos yosangana ne Caps United neSvondo kuRufaro Stadium mumutambo wakatarisirwa zvikuru nevatsigiri vezvikwata izvi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa chirongwa chekunyoresa kuvhota pachishandiswa mishina mitsva yeBiometric Voter Registration.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG