Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 14, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 14, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chirongwa chekunyoresa kuvhota pachishandiswa mishina yechizvino zvino yeBiometric Voter Registration chinoparurwa zviri pamutemo muHarare mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nemhuri yavo, pamwe nevatevedzeri vavo vaviri vachinyoresa kuvhota kuState House.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti riri kuenderera mberi nehurongwa hwaro hwekuratidzira kusafara nehumhondi hunoitwa nemapurisa kunyange hazvo mapurisa ari kuti musangano uyu hausi kuenderera mberi.

Nyanzvi dzozeya nezvemuchuchisi wenyika mutsva, VaRay Goba, avo vakadomwa naVaMugabe kuti vatore basa rakasiyiwa naVaJohannes Tomana, avo vakadzingwa basa vachipomerwa nyaya dzehuori .

Munyaya huru yezvematongerwo enyika, nhasi tiri kutarisa kusajeka kwakaita hurongwa hweBiometric Voter Registration, uho hwaparura muHarare nhasi.

Muchirongwa che Women’s Roundtable na8pm tiri kutarisa kushandiswa kuri kuitwa vanasikana vadiki mukuita zvepabonde.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG