Accessibility links

MISORO YENHAU DZANHASI, CHITATU, GUNYANA, 13 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe Election Commission yotanga kunyoresa vavhoti mangwana kunyangwe pasina kujeka kuti zvichafamba sei sezvo sangano iri richitiwo harina michina yakakwana.

MDC yotarisirwa nhasi kuti iendese mapepa kumatare ekupikisa chirongwa chekunyoresa vavhoti sezvo chisina kujeka.

Bato reMDC-T nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvoronga kuratidzira muNew York kumuzinda weUnited Nations kuri kuuya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vabereki voramba vachishupikana nekubhadhara mari dzechikoro sezvo dambudziko remari ratekeshera.

Broadcasting Authority Zimbabwe yoenda kudare repamusorosoro ichipikisa kupihwa rezinesi kwekambani yeDr Dish iyo iri kushanda neKwese TV yaVaStrive Masiyiwa.

Muchirongwa chedu cheLivetalk- na8;00 pm nhasi, tiri kutarisa nyayayezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuronga kunoratidzira kuNew York, kumuzinda weUnited Nation zvichiti zviri kuda kubvumidzwa kuvhota zviri munyika dzekunze uye kuti hurumende haisi kuzvipa mukana wekutaura nhuna dzavo. Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachapinda mumusangano uyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG