Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 11, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 11, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kusawirirana kuri muZanu PF kunobuda pachena pamusangano wakaitwa neMugovera nemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, nevechidiki vebato ravo kuMashonaland Central, uko VaMnangagwa vakabatwa batwa pachishandisa mashoko anoratidza kuti ari kuvapumha huroyi hwekukonzera kusagadzikana mubato iri.

Vakadzingwa muZanu PF vari muhutungamiri hwevakarwa hondo musangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association voshora danho ravakutorwa nebato rakavadzinga rekuita kongiresi yechimbi chimbi yekutsvaga hutungamiri hutsva hwevakarwira nyika.

Ongororo yakaitwa neGlobal Witness inoti vakuru vakuru muchiuto voramba vachiwana mari inobva kumangoda iyo isiri kushandiswa nenzira yekubatsira veruzhinji, asi ichishandiswa mukudzvanyirira kodzero dzevanhu.

Bhanga guru renyika rinoti richaburitsa mari inoita mazana matatu emamiriyoni ema bond notes kuitira kurerutsa dambudziko rekushaya mari munyika.

Mutambo pakati peDynamos neHighlanders we Battle of Zimbabwe Part 2 unoita mhirizhonga.

Muchirongwa che LiveTalk na8pm tiri kutarisa makakatanwa ari kuitika muZanu PF zvichitevera musangano wakaitirwa kuBindura mukupera kwesvondo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG