Kunetsana kweAir Zimbabwe neSouth African Airways kwoenderera mberi nyika mbiri idzi dzichiyedza kutaurina kuti ndege dzakatanga kuita matambudziko nemusi weChishanu dzitange kufamba zvakanaka.
Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti Amai Grace Mugabe vanogona kuendeswa kumatare muZimbabwe nemusikana wavanonzi vakarova kuSouth Africa, Gabriella Engels.
Mamwe makanzura emuHarare opomerwa mhosva yekuita zvehuwori panyaya yenzvimbo dzekuvakira.
Munhau dzemitambo, chikwata cheCaps United choramba chichikwira kubva muzvikwata zviri pasi pasi pegungano rePremier Soccer League.
Vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vonetsekana nekushaya mamwe mapiritsi muzvipatara.
Harare Agricultural Show yotanga nhasi.
Zuva rotarisirwa kuwora munyika yeAmerica kutanga masikati.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk- na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekushomeka kwemishona yemapiritsi anodiwa nevanorarama neHIV/AIDS
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.
Facebook Forum