Nyaya yaAmai Grace Mugabe yekurova mumwe musikana ainge aine vanakomana vavo muhotera yoramba ichitsviriridza kuSouth Africa zvopa kuti kana musangano mukuru weSADC summit utoendeswa kumucheto.
Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai votaura pamberi pezviuru nezviuru zvechita cheMethodist zviri kuita mhemberero dzekukwanisa kuzvimirira yoga kubva kuchechi huru iri muBritain kuNational Sports Stadium muHarare.
Vechidiki veMDC-T voratidzira muBulawayo vachikurudzira kuti Zimbabwe Electoral Commission ivandudze mitemo yesarudzo.
Mutungamiri webato rePDP VaTendai Biti vokurudzira vamwe vanopikisa kuti vapinde mumubataniszwa weMDC Alliance.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League odzoka zvine mutsindo kutanga mangwana mushure mesvondo rimwe chete rezororo.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk- na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya iri kupomerwa Amai Grace Mugabe yekurova mumwe musikana ane makore makumi maviri kuSouth Africa uyo ainge ari muhotera nevanakomana vavo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.
Facebook Forum