Accessibility links

Misoro Yenhau Dzanhasi, China Nyamavhuvhu 17, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Muchuchusi ane mukurumbira muSouth Africa VaGerrie Nel vanoti vave kumiririra Gabriella Engel, musikana ane makore makumi maviri anonzi akarohwa naAmai Grace Mugabe kuSandton, Johannesburg mushure mekunge vamuona vaine vanakomana vavo muhotera kuSouth Africa.

Hurumende yeSouth Africa ichiri kuzeya chikumbiro chemuzinda weZimbabwe muSouth Africa chekuti Amai Grace Mugabe vobatwa semunyarikani here kana kuti diplomat kuti vasaendeswe kumatare nemhosva yavari kupomerwa iyi

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kuSouth Africa kumusangano weSADC summit.

Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi vokurudzira vatori venhau kuti vanyore nyaya dzakanaka nezveZimbabwe asi venhau ava vanovaudza kuti hurumende ndiyo inofanira kubvisa mitemo inodzikirira vatori venhau.

Vanhu vekuMasvingo vopesana panyaya yekuti Amai Shuvai Mahofa igamba renyika here kana kuti kwete.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk-Women’s Round Table na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya iri kupomerwa Amai Grace Mugabe yekurova mumwe musikana ane makore makumi maviri kuSouth Africa uyo ainge ari muhotera nevana vavo

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG