Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu Nyamavhuvhu 16, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu Nyamavhuvhu 16, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe voita dare remakurukuta nhasi sezvo vari kutarisirwa kuenda kumusangano weSADC Summit kuSouth Africa.

Hurumende yeSouth Africa yoramba kutaura kuti Amai Grace Mugabe avo vari kupomerwa mhosva yekurova mumwe musikana ainge ari muhotera nevanakomana wavo muJohannesburg vachiri munyika iyi here kana kuti kwete sezvo vachinzi vari kudiwa kumatare.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaVictor Matemadanda vanosungwa nemapurisa.

Chizvara cheZimbabwe VaSolomon Tembo chokwikwidza musarudzo dzameya weAllen Town kuPennsylvania muno muAmerica.

Inflation yenyika inodzika nezviga gumi neina kubva muzana kana kuti 0.14 percent.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk-Diaspora Forum na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekukwira kwemari dzinotumirwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika dzatonyanyisa kukunda mari dzevanhu vari kubva kunze vanoda kutanga mabhizimisi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG